Proverbs 20

1Waini museki uye doro mupopoti;
ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.
2Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba;
uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.

3Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara,
asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.

4Simbe hairimi mumwaka wokurima;
saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.

5Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika,
asi munhu akachenjera achaichera.

6Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi,
asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?

7Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka;
vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

8Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge,
anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.

9Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena;
ndakachena uye handina zvivi”?

10Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana
Jehovha anozvivenga zvose.

11Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita,
kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

12Nzeve dzinonzwa nameso anoona,
Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.

13Usafarira kurara kana kuti uchava murombo;
svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

14“Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi;
ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.

15Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere,
asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.

16Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso;
itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.

17Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu,
asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.

18Ita urongwa nokutsvaga mazano;
kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.

19Guhwa rinoputsa chivimbo;
saka furatira munhu anotaurisa.

20Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake,
mwenje wake uchadzimwa parima guru.

21Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga
haingaropafadzwi pamagumo ayo.

22Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!”
Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.

23Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana,
uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

24Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha.
Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza
uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

26Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa;
anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

27Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu;
unonzvera zviri mukatikati make.

28Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo;
kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.

29Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo,
bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

30Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa,
uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.
Copyright information for SnaBDSC